Isaiah 21

Chiprofita pamusoro peBhabhironi

1Chirevo pamusoro peRenje riri pedyo neGungwa:

Kufanana nechamupupuri chinovhuvhuta nomunyika yezasi,
mupambi anouya achibva kurenje,
kubva kunyika inotyisa.

2Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza.
Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupamba
Eramu, rwisa! Medhia, vandira!
Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo.

3Naizvozvo muviri wangu wakazara nokurwadziwa;
marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka;
ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa,
ndakanganisika nezvandinoona.
4Mwoyo wangu woziya,
kutya kwondidederesa;
rubvunzavaeni rwandaishuva
rwava chinyangadzo kwandiri.

5Vanogadzira matafura,
vanowaridza micheka pasi,
vanodya, vanonwa!
Simukai, imi machinda,
zodzai nhoo!
6Zvanzi naIshe kwandiri:

“Endai, mundogadza nharirire
uye muite kuti azivise zvaanoona.
7Kana achiona ngoro namapoka amabhiza,
navatasvi vari pamusoro pembongoro
kana vatasvi vari pamusoro pengamera,
ngaave akachenjera, akachenjera zvizere.”
8Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti,

“Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro peshongwe yomurindi;
usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.
9Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoro
neboka ramabhiza.
Uye anopa mhinduro achiti,
‘Bhabhironi rawa, rawa!
Zvifananidzo zvose zvavamwari
varo zvaputsirwa pasi!’ ”

10Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro,
ndinokuudzai zvandanzwa kubva kuna
Jehovha Wamasimba Ose,
kubva kuna Mwari waIsraeri.

Chiprofita pamusoro peEdhomu

11Chirevo pamusoro peDhuma:

Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti,
“Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?
Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?”
12Nharirire inopindura ichiti,
“Mambakwedza achauya, asi nousikuwo.
Zvino kana uchida kubvunza, bvunza;
uye ugodzokazve.”

Chiprofita pamusoro peArabhia

13Chirevo pamusoro peArabhia:

Imi ngoro dzavaDhedhani,
munodzika misasa mumatenhere eArabhia,
14vigirai vane nyota mvura;
imi munogara muTema,
uyai nezvokudya zvavanotiza.
15Vari kutiza munondo,
kubva kumunondo wavhomorwa,
nokuuta hwawemburwa,
uye nokupisa kwehondo.
16Zvanzi naJehovha kwandiri: “Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera. 17Varume vouta vachapunyuka, ivo mhare dzeKedhari vachava vashoma.” Jehovha, Mwari weIsraeri ataura.

Copyright information for SnaBDSC